yo-CODE

Offering youth​ with socio-economic disadvantages, digital skills development based on non-formal education methods
Research
Idea
CHALLENGE
INSPIRATION
THE PROJECT
GOAL
Mubatanidzwa we pamasango matanhatu anobva nyika tanhatu (IT,PT,VN,NP,ZIM,ARG) kubva matimana mana  epasirose(EU,AFRICA,SOUTHEAST ASIA,SOUTH AMERICA) umwe neumwe anowunza unyanzvi wakasiyana siyana uchishanda pamwe kusimudzirana. Zvisineyi vane chinangwa chimwe kusandura nharaunda dzavanogara, kubatsira vagari kuwana mikana yekusimudzira hupenyu. Masangano aya akasarudzwa ne kukokwa kuti vamiririre nzvimbo dzakasiyana siyana siyana pasirose, kupa maonero akaita zvinhu munyika dzisiri mumubatanidzwa wenyika we EU. Masangano aya anowunza unyanzvi wavo kuchirongwa ichi, vachidzidzawo ne nekusimudzira unyanzvi we nengo ,mapoka avanobatsira ne vavano shanda navo.

Chirongwa ichi chinobatsira kusimudzira ne kupa mukana vechidiki mune zvirongwa zvekurarama munharaunda dzavanogara, pane kubatana kwaka jeka nemurawu we ET 2020 uripo paku simudzira kuenzana, kugarisana ne kushingaira kushanda kwevagari munzvimbo kana nyika. Chirongwa ichi chirikufambirana negwara re Europe 2020 Strategy, rinoti vanhu vane wunyanzvi ne njere dzakarodza vanodiwa kubatsiridza mabhizimisi ne urongwa weruzhinji paku unza nzira itsva mumashandiro nema fambiro kuzadzisa nechikero chepamusoro chakamisa ne mubatanidzwa we nyika dze Europe.

 

Masangano ari kushanda muchirongwa ichi agara arikutoshingaira kushanda ne kukurudzira kubatsira vechidiki, zvisineyi vanoda kuwedzera udzamu neunyanzvi wenzira dzekushanda nadzo ne rubatsiro kukunda dambudziko rekushaya rubatsiro ne kudzidza kugadzirisa nzira dzekushanda nadzo ne zvishandiswa zvavanowana. Mukushanda pamwe chete,vakananga kuumbiridza kukwanisa kwavo kusvikira ne kushanda nemararamiro evechidiki.

Kana vechidiki vakapiwa mukana simudzirwa kuti vakwanise kubatirana nevamwe musarudzo dzeruzhinji ne hupenyu wehukama, nharaunda yose ino batsirikana kubva mukubatirana vanhu vose pamwechete kwakawedzerwa. Kudzikisa kushaya hanya dzekushanda pamwe nenharaunda muvechidiki ne kuchengeta kubatirana pamwe vanhu vose ndiro rimwe rezvinhangwa zve gore ra 2030

MATAMBUDZIKO

Vechidiki vanosira chikoro panzira kana kugara kumaruwa uko zvikoro zvine zvishandiswa zvishomani,vanosangana nematambudziko mukufambirana neshanduko irikuitika muzvishandiswa zvechimanje manje.Uye Vanoshaya mikana  yeZvidzidzo pamusoro pezvishandiswa zvinofambisa mashoko nekuratidza  mifananidzo , nekuda kwekushaya mari kuti vapindewo muzvikoro zvinopa zvidzidzo izvi.

KURUDZIRO

Masangano ari muchirongwa ichi agara arikushanda nevechidiki kupa kurudziro nerubatsiro kune vechidiki vanoshaya. Zvisineyi masangano aya ano rubatsiro uwedzera ruzivo ne zvishandiswa kukunda dambudziko rerubatsiro rakakwana. Masangana akazvimirira oga ndiwo anemikana yekuenzanisa kushomeka kana kushaika kwezvimwe zvidzidzo muzvikoro, sezvo vachikwanisa kusangana nezvinodikanwa ne nharaunda kana mapoka anorubatsiro.

CHIRONGWA

Chirongwa ichi chinobatsira vanhu pachavo ne kuvaka unyanzvi mukushanda kwemasangano akazvimirira oga,uye nevano shanda nevechidiki munyika dzavo, kupa mukana yekuwedzera unyanzvi mukushandisa zvishandiswa zvekufambisa mashoko ne kubatsira vechidiki vanoshaya mukudzidza pamusoro pe fambiswa kwemashoko kwe chimanje manje.
Scroll to top